Mumwe murume otsvaga rubatsiro kubva kune veruzhinji vangaita ruzivo, mushure mekunge mwana wake ashupika nedambudziko remaziso ayo aanoiti anomusosonya zuva ne zuva.
Achitsanangura nyaya iyi mutauri anoti akawana nekuroora mudzimai wake mugore ra 2018. Mugore ra 2019 vaviri ava vakabatsirwa ne mwana uyo akauya kuzoonekwa ne hama dze mukadzi zvese ne dze murume.
Kunonzi kwakazouyawo tete vanova hanzvadzi ya baba maawa maviri mushure mekubarwa kwe mwana. Tete ava vakabata mwana ndokumu svipira kumeso zvinova zvaka katyamadza mhuri yose.
Dambudziko raveko kunonzi mwana uyu ave kurwadziwa nemaziso zvisingatsana nguriki kubva pachiitiko ichi. Vaviri vanoti vazama Kuenda kunana chiremba asi dambudziko harisi kubatwa kuti chingava chii.
Mushure nekunetsana ne hama dze mukadzi murume akazobvunzawo baba vake kuti chingava chii chakaitwa na tete. Baba vakamu kurudzira kuti afambe achinobvunzira nekuti havasati vambosanganawo nazvo.
Muongoro neetsvakarudzo makabuda kuti tete ava vanenge vanoshandisa mishonga kuburukidza nokuti kunyangwe vana vavo hava shanye vachienda kunovaona.
Discussion about this post