Ini murume wangu ndisabhuku mudhunhu matinogara .Muna 2018 mwana wangu mukomana akauya ne musikana kumusha achiti ndatizirwa ku harare kuchikoro kwaaiva .
Isu tinogara ku gokwe ,Pakauya muroora ini hangu sa mai vane chiremerera mumusha handina kufara nekuda kwekuti ndaida mwana wangu aite zvema bhuku azondichengetawo uye zvaingo nyadzisa kuti mwana wasabhuku akaendeswa harare kunodzidza akatizirwa ndokudzingwa chikoro.
Vana vakauya ndokutanga kugara nesu asi ndakabvunza kuti vabereki vemwana uyu vari kuziva here kuti ndozvavepo. Vana vakati ehe , ini handina kuzombodawo kubvunza zvakawanda nekuda kwekuti muroora ndaisa farira kuti agare pamba ndaida vana ava vadzidze ini.
Tete takagara pasi sedare remusha tikaona kuti zvaive nani mwana uyu abviswe pamuviri timutsvagire mhosva adzokere kumba kwavo kuitira wedu mwana apedzese university yake .
Taka tora musikana uye ini nana tete vemusha tikano mubvisa nhumbu asi chakaitika ndeche kuti mwana uye nhumbu ichingobva akabva ashaya . Isu takazongoudza vanhu kuti mwana abva pamuviri kwakutofa, pakaitika zvese izvi hapana hama ye musikana uyuwatakaudza kusvika tivige mwana wavo .
Tete dzava 3 yrs musikana uyu ashaya asi tashaya rugare mwana wangu mukomana ava kupenga tamboedza kufamba asi zvakaramba mumusha medu gore regarega musi wa 14 may unova musi wakafa mwana sikana uye kunofiwa tete kutaura kuno n’anga dzemumusha medu dziri kuti ndini ndiri kufa musi wa 14 ende mazuva aswedera.
Tete daisy ndibatsireiwo ndisafa kuti tiudze hama dzemusikana zvakaitika hazvigone tinoshoresa mhuri uye kuti tizonzi takauraya mwana wevanhu hazvibude zvakanaka . Ndoita sei ndisafa ini im only 50 yrs
https://m.facebook.com/story.php?story_fbid=6161137553912011&id=1728126000546544
Discussion about this post